Kupokana Pakati peHurumende neVarairidzi Koenderera Mberi

Hurumende nevarairidzi havasi kuwirirana pakunyoresa vana vechikoro bunzo

Bazi rezvedzidzo yepasi riri kushora zvikuru mamwe masangano evarairidzi nekuramwa mabasa kwaari kuita panguva yekunyora bvunzo.

Mutauriri mubazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vari kushora zvikuru sangano reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe (ARTUZ) nekukuridzira varairidzi kuramwa mabasa vana vechikoro vatarisana nekunyora bvunzo dze “O Level” ne “A Level kutanga Muvhuro uno.

Mamwe masangano anomirira varairidzi, anosanganisa reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), ARTUZ, Zimbabwe National Teachers Union ne Educators Union of Zimbabwe azivisa kuti nhengo dzawo hadzisi kuzonyoresa bvunzo idzi kana hurumende isingavabhadhari kuita basa iri.

Asi rimwe sangano rinomirira varairidzi ava, reZimbabwe Teachers’ Association rati richapinda mumusangano nehurumende rigoona kuti nhengo dzaro dzinganyoresa bvunzo idzi here.

Ukuwo, sangano reARTUZ rinoti harisi kuzopinda mumusangano washeedzwa neNatolnal Joint Negotiating Council (NJNC) uyu, richiti kanzuru iyi inorwira zvido zvehurumende, kwete zvevashandi.

Munyori mukuru weARTUZ, VaRobson Chere, vaudza Studio 7 kuti kanzuru yeNJNC haisi pamutemo kana zvichitariswa mubumbiro remutemo ra2013. VaChere vanoti chimwe chiri kushorwa nesangano ravo ndechekuti vamwe vamiriri vevashandi havana kusheedzwa kumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRobson Chere