Varairidzi Voronga Kuzivisa Hurumende neDanho reKuda Kuramwa Mabasa

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou

Varairidzi vari pasi pemubatanidzwa mutsva weFederation of Zimbabwe Educators’ Unions (FOZEU) vanoti vari kuronga kusvitsa kuhurumende neChitatu tsamba yekuzivisa nezvekuronga kuramwa mabasa panovhurwa zvikoro mwedzi unouya.

Masangano evaraidzi mashanu anoti Zimbabwe Teachers Association (ZIMTA), Progressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), Professional Educators’ Union of Zimbabwe (PEUZ), neZimbabwe National Teachers’ Union (ZINATU), akabatana akaumba mubatanidzwa unonzi Federation of Zimbabwe Educators’ Unions (FOZEU) senzira yekurwira kodzero dzavo.

Varairidzi ava vanoti zvichemo zvavo hazvisi kunyanyonzwikwa kana vakaenda kunhaurirano sevashandi vehurumende pasi Apex Council, iyo inomirira vashandi vehurumende vose, izvo zvakaita kuti vade kuzvimirira voga.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vakaita zvose zvinotarisirwa mukuedza kuti vataurirane nehurumende, asi hapana chinoratidza kuti hurumende iri kutirimuka.

Vanotiwo hurongwa hwekuti vashandi vehurumende vakwanise kuita hurukuro dzemihoro, kana kuti collective bargaining, hunonzi hwakapasiswa nedare remakurukota inzira yehurumende yekuda kuedza kunyaradza varairidzi pamwe nevamwe vashandi vehurumende vari kurwira kuti vapiwe kodzero yavo iyi, iyo iri mubumbiro remitemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou