WASHINGTON —
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakasangana nenhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakaudza nhumwa idzi kuti havasi kufara nenyaya yekutadza kuzadzikiswa kwezviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement uye kusungwa sungwa kwenhengo dzebato ravo.
VaZuma ndivo mutongi gava weSADC mukugadzirisa dambudziko reZimbabwe.
Vane ruzivo nezvaitika vanoti VaTsvangirai vati vakazvipira kutambira bumbiro idzva remitemo asi vakati nyaya yekuvandudza zvinhu zvakaita sekuburitswa kwemashoko yanetsa kugadzirisa.
Varatidza kugunun’una nekusungwa kwegurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, neChitatu vachipomerwa mhosva yekunyomba VaMugabe. VaTsvangirai vange vaina VaMangoma, gurukota muhofisi mavo, VaJameson Timba, uye mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora.
Nhumwa idzi dzakambopinda munyika neMuvhuro dzikaita hurukuro nebato reMDC rinotungamirwa naVaWelshman Ncube.
Dzange dzichitarisrwawo kuita hurukuro neChina nevari kumirira Zanu-PF munhaurirano, gurukota rezvemitemo, VaPartick Chinamasa, pamwe negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche.
Hatina kukwanisa kubata vamiriri veZanu-PF ava, kanawo vekudivi raVaTsvangirai, sezvo nhare dziri kunetsa.
Misangano iyi yakananganawo nekugadzirira musangano weSADC Troika uri kutarisirwa kuitwa kuTanzania nasachigaro webazi iri, uye vari mutungamiri wenyika iyi, VaJakaya Kikwete.
Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthopia, VaClifford Mashiri, vanoti mutoro weZimbabwe unenge woremera VaZuma.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaClifford Mashiri