Imbwamupengo Dzoisa Hutano hweVanhu Munjodzi kuMash West

Bazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West rinoti huwandu hwevanhu vari kurumwa nembwa dzinofungirwa kuti dzine chirwere chembwa mupengo huri kuwanda izvo zviri kuisa hupenyu hwevakawanda vanenge varumwa panjodzi.

Mukuru anoona nezvekukurudzirwa kwehutano mudunhu reMashonaland West, VaGeorge Kabondo, vanoti huwandu hwevanhu vakarumwa nembwa dzinofungidzirwa kuti dzine chirwere chembwa mupengo hunopfuura chiuru nemazana matanhatu nemakumi mana nevasere.

VaKabondo vanoti vanhu vakarumwa ava vakawanda zvichienzaniswa nechiuru chine mazana maviri nemakumi mana nevasere vakarumwa gore rapera.

VaKabondo vanoti chiri kunyanya kutyisa ndechekuti vanhu vakawanda vevakarumwa vakarumwa nembwa dzisina kubayiwa majekiseni ekudzivirira chirewere chembwa mupengo.

Vanoti izvi zvinoita kuti bazi ravo rirasikirwe nemari yakawanda sezvo vachimanikidzwa kurapisa munhu anenge arumwa sezvo mishonga yacho ichidhura.

Munhu anenge arumwa nembwa isina kubayiswa anobayiwa majekiseni matatu ekudzivirira chirwere chembwa mupengo.

Majekiseni aya anotengwa madhora zana nemakumi maviri emadhora.

Kana munhu akarumwa zvakaipisisa anobayiwa majekiseni manomwe ayo anotengwa nemadhora mazana maviri nemakumi masere.

VaKabondo vanoti bazi rehutano riri kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kurumwa nembwa idzi.

VaKabondo vanoti chirwere chechimbwa mupengo hachirapike sezvo chichikonzerwa nehutachuwana.

Bazi rezvekudzivirirwa kwezvirwere zvinokonzerwa nemhuka rinoti riri kushushikanawo nehuwandu hwembwa dzisiri kubayiswa majekiseni.

Mukuru mubazi iri, VaJonathan Cheruke, vanoti nekuda kwekuti vanhu vari kunyanya kurumwa nembwa dzisina varidzi vane hurongwa hwekuuraya imbwa dzose dzisina varidzi dzinowanikwa dzichingo famba famba mumigwagwa.

Asi vanomirira kodzero dzemhuka muChinhoyi, VaMaynard Munyaka, vanoti havatambire danho rekuuraya imbwa dzinenge dzisina kupfigirwa kana kusungirirwa.

VaMunyaka vanoti imbwa dzinobva pamba zvikuru sei mumadhorobha nezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kutevera imbwa hadzi, kutsvaka zvekudya pamwe nekuda kumbofamba pakatambanuka sezvo nguva dzakawanda dzinenge dziri mumafenzi.

VaKabondo vanoti vanhu vanokurudzirwa kugeza chironda chekurumwa nembwa nemvura ine sipo kana dota vokurumidza kuenda kuchipatara.

VaKabondo vanoti zvakakosha kuziva kuti imbwa inenge yaruma munhu yakabayiwa here kana kuti kwete.

Mumwe wevakamborumwa nembwa akazvirapisa asina kuda kudomwa nezita anoti mutemo unofanirwa kusimbiswa kuti vose vanochengeta imbwa vadzichengetedze padzisingabude dzichiruma vanhu.

Munhu akarumwa nembwa ine chirwere chechimbwa mupengo akasarapwa nekukurumidza anorwara nechirwere ichi kwemazuva manomwe kusvika pamazuva gumi obva afa nekuti chimbwa mupengo hachirapike.

Nyanzvi munyaya dzechirwere ichi dzinoti imbwa dzinowana chirwere ichi kubva kumakava anogara musango.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa