Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga, re Zimbabwe Banks and Allied Workers Union, rinoti Standard Bank iri kuvhara mabhanga ayo mumaguta madiki akaita se Hwange, Chiredzi, Chinhoyi nemamwe, nekuti bhanga iri haridi kubatsira Zimbabwe kuti ibudirire.
Mashoko aya anotevera mashoko ebhanga iri ekuti riri kuvhara mabhanga aro mumaguta madiki nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.