Sangano rinoongorora nyaya dzezvehutongo hwejekerere muAfrica re The Ibhrahim Index of African Govenance richitungamirwa neshoroma yekuSudan, VaMo Ibrahim rinoti zvinhu muZimbabwe zviri kuita zvichiita nani kubva muna 2011 kusvika parizvino munyaya dzezvekutongwa kwenyika.
Zimbabwe inonzi yakaita zviri nani munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu, dzemadzimai uye nyaya dzekugadzikana nehutano.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch vanoti zviri kupa kuti Zimbabwe iite kunge iri nani inyaya yekuti iri kutangira pachikero chepasi pasi nenyaya yekutonga nedemo.
Nyika makumi maviri nemakumi maviri neimwe panyika makumi mashanu neimwe dzaiongororwa dzinonzi dziri kudzikira munyaya dzezvekodzero dzevanhu.
Nyika dzine hutongo huri nani iMauritius, Cape Verde and Botswana. Dziri kumashure shure iCentral African Republic, South Sudan, ne Somalia.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDewa Mavhinga