Chikwata chemaWarriors Chotarisana neMitambo yeAfcon Chisina Vamwe Vatambi vePamusoro

  • Michael Kariati

Chikwata cheZimbabwe Warriors

Chikwata chemaWarriors chiri panguva yakaoma apo chakatarisana nemitambo miviri yakakosha yeAfcon ya 2021.

Chikwata ichi chatarisana nedambudziko rekushandisa vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika, avo vave negore nemwedzi inoraudzira vasati vapinda munhandare.

Vatambi vese vakashevedzwa kubva kuEngland vanoti Marvelous Nakamba, Brendon Galloway, Jordan Zemura, Admiral Muskwe pamwe naTendai Darikwa havasi kuuya nemhaka yemitemo yekuBritain iyo iri kurambidza vagari vemo kushanyira nyika dzinenge Zimbabwe.

Izvi zvauya zvekare mushure mekunge Khama Billiart azivisa maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare kuti anonoka kunaya kubva mukukuvara kwaakaita achitambira Kaiser Chiefs.

Mashoko ari kufamba anoti Tino Kadewere naMarshall Munetsi, avo vanotamba kuFrance, havasi kukwanisa kuuya zvekare kuzomiririra nyika.

Asi VaMpandare vanoti vachashandisa vatambi vanenge varipo vachiti ivo vane chivimbo chekuti vachakunda semarongero avari kuita.

Vatambi vemuno vakaita saKing Nadolo, Brian Banda, Tatenda Tawenga naFarai Matare vavimbiswa kutambidzwa nguva yavo.

Vamwe vatambi vakaita saKnox Mutizwa, Terence Dzvukamanja, Ovidy Karuru, Butholezwe Ncube, Kuda Mahachi naEvans Rusike vachabva kuSouth Africa.

KuZambia kuri kubvawo Tafadzwa Rusike, Thabani Kamusoko, Talbert Shumba, naTanaka Chinyahara.

Victor Kamhuka anotamba kuMalaysia pamwe na kaputeni Knowledge Musona uyo anotambira AS Eupen kuBelgium vari munzira kuuya.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaJairos Sendekai vanoti Zimbabwe inofanira kugadzirira mitambo iyi vachironga nevatambi vavane chivimbo kuti vachauya.

Zimbabwe iri kusangana neBotswana musi wa 25 Kurume ichizopedzisa neZambia musi wa 30 Kurume.

Pari zvino, Zimbabwe ine mapoinzi mashanu, poindi imwechete pamusoro peBotswana. Zambia ine mapoinzi matatu.

Algeria iyo yakatobudirira kuenda kumafainari ine mapoinzi gumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati