Highlanders neDynamos Dzotatsurana muFainari yeZimbabwe National Army Charity Shield

  • Michael Kariati

Chikwata cheCaps United ndicho chakatora mukombe weZimbabwe National Army Charity Shield mwaka wapera.

Chikwata cheHighlanders charova Chicken Inn nhasi masikati kuti chisangane neDynamos mufainari yeZimbabwe National Army Charity Shield.

Mutambo uyu waifanira kunge wakapera nezuro asi nenyaya yekunaya kwaityisa uyezve nekuti nhandare dzedu hadzina zvekudhonzesa mvura, hauna kuzopera sezvo kwaive kupenya kwakanyanya kunoperekedza mvura yemudenga.

Mutambo uyu wakamiswa Chicken Inn yakatungamira 1-0 asi Bosso yadzora zvese izvi ndokurova MaGame Cocks nezvibodzwa zvabva kuna Adrien Sillakuna na Peter Muduwa ndokupinda mufainari 2-1.

Izvi zvauya mushure mekunge Dynamos yakarova Caps United 1-0 nechibodzwa chakakandwa na Kudzanai Dhemere.

Asi vakawanda vakaona mutambo uyu vanofunga kuti MaGreen Machine aifanira kukunda dai vasina kutadza kupinza mumambure mikana yakawandisa yavakawana.

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti ari mudenga nekufara nekukunda kwavakaita achiti iye ari kutarisira kuti mwaka uno zvinoramba zvakadaro

Mutasa anoti ari kutarisira kuti vatambi vake vechidiki vachashanda nesimba zvekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Dynamos ne Highlanders dziri kusangana mufaniari musi wa 25 Kukadzi.

Chikwata chichatora mukombe uyu chichawana mari inoita iyo zviuru gumi nazvishanu zvemadhora.

Pari zvino, mukombe uyu uri mumaoko eCaps United.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati