Hurumende yeSouth Africa Yobatsira neChikafu Vanhu Vakakanganiswa neCyclone Idai muZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Naledi Pandor.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Naledi Pandor, vari kutarisirwa kupinda muZimbabwe neChipiri kunosvitsa rubatsiro rweupfu hunodarika zviuru zvishanu zvematani rwakaunganidzwa nehurumende yavo kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai muna 2019.

Gwaro rakaburitswa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa neSvondo rinoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vachagamuchidzwa rubatsiro urwu.

Gwaro raburitswawo nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe ratsinhirawo kuti Amai Pandor vachapinda munyika neChipiri kuzadzisa chivimbiso chakaitwa nenyika yavo yeSouth Africa muna 2019 chekubatsira vakawirwa nedambudziko remafashamu ava.

Dutumupengo iri rakavhiringidza magariro evanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi manomwe, kuuraya vanhu mazana matatu nemakumi mana nemumwe, uye kusiya mhuri dzinodarika zviuru gumi nezvinoomwe dzisisina misha.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, kanawo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, kuti tinzwe zvizhinji.

Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vati tione magwaro akaburitswa nenyika mbiri idzi, ayo vatitumirawo kuti tione.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zvaitwa nehurumende yeSouth Africa zvakakosha zvikuru zvekurangarira vavakidzanoii vayo vari mumatambudziko kwenguva yareba kubva 2019.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo