South Africa Yodzosera neChisimba kuZimbabwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kupinda muSouth Africa Zvisiri paMutemo

Musina, South Africa

Hurumende yeSouth Africa inoti yaisa mapurisa panzvimbo zhinji mumigwagwa inobva kubhodha reBeit Bridge, chinangwa chiri chekubata vanhu vanobva kuZimbabwe vachipinda muSouth Africa zvisiri pamutemo.

Gurukota reSouth Africa rinona nezvemukati menyika, Doctor Aaron Motsoaledi, avo vakashanyira Mesina nedzimwe nzvimbo dzakaiswa mapurisa aya nemusi weSvondo, vakaudza vatori venhau kuti South Africa ichabata nekudzorera vanhu ava kuZimbabwe nguva dzose, vachiti chinangwa chavo chiri chekumisa vanhu kuti vasapinda muSouth Africa zvisiri pamutemo.

Panyaya yemagwaro anopiwa zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvigare nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo, kana kuti Zimbabwe Exemption Permits (ZEP), VaMotsoaledi vakati hapana nyika, vanhu kana masangano anorwira kodzero dzevanhu akazvimirira achamanikidza South Africa kuti idzokere sure zvokuwedzera mazuva ehupenyu hwemagwaro emaZEP.

Mutungamiri wesangano reInternational Crossborder Traders Association, VaDenis Juru, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neSouth Africa zvagara zvichiitwa makore ose panguva ino, vachiti hazvina zvazvinobatsira.

VaJuru vati South Africa inofanirwa kuziva kuti vanhu vari kupinda muouth Africa vasina magwaro, varikuita izvi pamusoro pematambudziko avakatarisana nawo kumusha kwavo naizvozvo dambudzoko iri harisisi kuzopera kusvika zvunhu zvagadzikana muZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenis Juru