Sangano Rinomirira Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Ronyunyuta neKuparwa kweDzimhosva

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reZimbabwe Community in South Africa rinoti mapurisa anofanirwa kusunga vese vari kupara dzimhosva ava, kusanganisira zvizvazrwa zveZimbabwe.

Rimwe sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara pamwe nekushanda muSouth Africa, reZimbabwe Community in South Africa, rinoti riri kushushikana zvikuru nekuwanda kwehumbavha mumisha inogara veruzhinji muJohannesburg dziri kuparwa nevanhu vanofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

Sangano iri rinoti mhosva idzi, idzo dziri kunyanya kuparwa mumisha yeHillbrow, Berea neYeoville uko kunogara zvizvarwa zvekune dzimwe nyika kusanganisira Zimbabwe zvakawanda, dzinosanganisira dzekubvuta, kubata kwiyo, kubaya nemapanga pamwe nekuponda.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Community in South Africa, VaBongani Mkwananzi, vanoti vave kuronga kusangana nemapurisa kuti vasvitse nyunyuto iyi, uye kuti vakurudzire mapurisa kuti atore matanho akasimba pamusoro pedambudziko iri.

Vanoti musi wa 6 Kukadzi, unove mwedzi unouya, sangano ravo riri kutarisira kusangana nemapurisa anobata matunhu aya kuti vaise musoro pamwechete mukugadzirisa dambudziko iri.

Vanotiwo mapurisa anofanirwa kunge achichengetedza nzvimbo idzi, asi nguva zhinji haawanikwe, izvo zvinozoita kuti mbavha nemakororoaya vaite madiro aJojina.

VaMkwananzi vanoti vakawanda vari kubirwa vanotoziva vamwe vevanhu vari kupara dzimhosva idzi kuburikidza nemitauro yavo, zvekuti mapurisa akazvipira kurwisana nedambudziko iri anofanirwa kunge achishanda nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munzvimbo idzi.

Vamwe vataurawo neStudio7 vari kukurudzira kuendeswa kwemauto munzvimbo idzi kuitira kuti amise kuparwa kwedzimhosva uku.

Zvizvarwa zvemuSouth Africa zvagara zvinopomera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mhosva yekuwedzera kuparwa kwedzimhosva, nyaya dzekutengeswa kwezvinodhaka, pamwewo nechipfambi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBongani Mkwananzi