Vatungamiriri veZimbabwe neSouth Africa Vachaita Musangano Wekudyidzana Kwenyika Dzavo Mangwana

PMutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, kuruboshwe, nemutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, pamwe nemutungamiri wenyika, VaEmmerosn Mnangagwa nemudzimai wavo.

Mutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vasvika muZimbabwe kumusangano wekudyidzana kwenyika mbiri idzi nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, weZimbabwe-South Africa Bi-National Commission.

Musangano wevatungamiri vaviri ava uri kutarisirwa kuitwa neChipiri, uye unenge wave musangano wechitatu pakati penyika idzi.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaGideon Gapare vanoti mumakore maviri apfuura, Zimbabwe neSouth Africa dzakanyorerana zvibvumirano zvinosvika makumi mana nezvishanu.

VaGapare vanoti musangano uyu uchange uchitarisawo mafambiro akaita zvibvumirano izvi, nekuona kuti zvingasimbiswa sei.

Makurukota enyika mbiri idzi asangana neMuvhuro uye achasangana zvakare neChipiri pamwechete nevatungamiri venyika mbiri idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGedion Gapare