Vamwe Varairidzi Vosiya Basa Vachinotsvaka Mabasa Matsva

Nhengo dzeARTUZ dzichiratidzira

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti hapana hurukuro dziri kuitwa pakati pehurumende nevarairidzi panyaya yekugadzirisa zvichemo zvevarairidzi.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti sangano ravo harisi kufara richiona vana vechikoro vachishaya mari yedzidzo, ukuwo varairidzi vachishaya mari yekuenda kubasa.

VaMasaraure vati nhengo zhinji dzesangano ravo dziri kunyora matsamba ekuzivisa kusiya kwadzo basa dzichititi dzave kunotsvaka mamwe mabasa ekuita sezvo mihoro yavari kupiwa nehurumende isingakwani kuchengeta mhuri dzavo.

Tatadza kubata gurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavhima, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure