Vana Chiremba Vanoti Zimbabwe Inokwanisa Kubatsira Vana Vane Otizimu

Stathoscope

Sedzimwe nyika zhinji, Zimbabwe iri kutarisana nechirwere cheotizimu icho chinonyanya kubata vana, zvikuru vanakomana.

Bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere, reCenters For Disease Control, rinoti munhu mumwe chete pavanhu makumi masere nevasere munyika dzese ane otizimu.

Vabereki vazhinji vanotadza kuwana zvikwanisiro kuvana vavo vane chirwere ichi izvo zvinozoita kuti vana ava vasainda kuchikoro.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Association of Doctors For Human Rights, Dr Fortune Nyamande, vanoti Zimbabwe ine vana chiremba vazhinji uye vanhu vakadzidziswa kubatsira vana vane otizimu kunyange hazvo paine zvimwe zvapingaidzo zvavanosangana nazvo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande