Mudzimba Moberekera Ingwe Munguva dzeManheru

  • Thomas Chiripasi

A policeman stands guard as some of the people arrested during demonstrations over the hike in fuel prices, make their court appearance at the magistrates courts in Harare, Jan,16, 2019.

Mapurisa nemasoja anonzi ari kupinda mudzimba dzevanhu achirova vanhu vanenge vakazvigarira havo zvikuru mumisha inogara veruzhinji.

Masoja aya anonziwo arara achirova vanhu mudzimba kunzvimbo dzakaita seHighfield, Southlea Park, Warren Park D pamwe neHopley muHarare, uye nekuMarondera.

Mashoko atiri kutambira anoti pane vanhu vane chitsama vasungwa neMugovera kuMarondera pamwe nekuBulawayo maererano nekuratidzira kwakaitika svondo rino kwakanga kwadeedzerwa nesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU.

Mutungamiri weHashtag Tajamuka, VaPromise Mkwananzi, vanoti havasi kufara nekupindirwa kuri kuitwa vanhu mudzimba vachizvindikitwa nemasoja.

Mutungamiri muboka revechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaHappymore Chidziva, vaudza Studio7 kuti vari kushushikana nekukwira kuri kuramba kuchiita huwandu hwenhengo dzebato ravo zvichitevera kuratidzira uku.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaBlessing Vava, vaudza Studio7 vanoti havasi kufara nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu vachiti zviri kuitwa izvi zvakangofanana nezvaiitika panguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemauto VaOverson Mugwisi kuti tinzwe divi remauto panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba.

Asi gurukota rezvesori, VaOwen Ncube, vakaudza vatori venhau svondo rino kuti hurumende iri kutsvaga vose vakakonzeresa mhirizhonga.

Zvinhu zvakamira kudai, VaMkwananzi vanoti pachave nekumwe kuratidzira zvakare munyika yose kubva neMuvhuro kudzamara hurumende yaVaMnangagwa yagadzirisa zviri kunetsa.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti vanzi kutsvagwa nemapurisa, uye vanhu havasi kuziva kuti varipi.

Mapurisa anoti akasunga vanhu vanodarika mazana manomwe munyika yose kubva pakatanga kuratidzirwa neveruzhinji nemusi weMuvhuro.

Zvichitevera kuratidzira uku, vanhu vanodarika makumi manomwe vakapfurwa vakaranorapwa mavanga emabara navana chiremba vari pasi peZimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Hurumende yakabva yavharisa masaisai ose kuitira kuti vanhu vasashandisa Facebook, WhatsApp, Twitter nemadandemutande.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vaudza ZBC kuti hurumende yakavharisa masisai aya sennzira yekumisa kwefambiswa kwemashoko aikonzeresa kukuvadzwa kwenyika.

Kunyange hazvo hurumende yakasunga masaisai eWhatsApp, Facebook neTwitter, vanhu vakawanda munyika vari kushandisa app yeTelegram kutumirana mashoko nemifananidzo yezviri kuitika munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi