Shasha dzeNhabvu Dzoziviswa neMusi weChishanu

  • Michael Kariati

Caps United

Sangano rePremier Soccer League ratara musi wa 6 Zvita sezuva richapihwa mibairo kuvatambi vakaita mashiripiti mwaka uno.

Mutambi akashura mare kudarika vese nevateveri vake vaviri pamwe nemurairidzi akakunda vese vachaziviswa nemusi weChishanu apo mhuri yenhabvu muZimbabwe iri kuungana muHarare.

Mutambi weCaps United, Joel Ngodzo, ndiye ari kutasirwa kutora mukombe mukuru uyu kunyange hazvo kune vamwe vari kukwikwidza zvakasimba vakaita saPrince Dube weHighlanders pamwe naIan Nekati weZPCKariba.

Muteveri wenhabvu, VaPhillip Regede, vanoti semaonero avo Ngodzo ndiye anokodzera kutora mukombe mukuru uyu.

Mumwe muteveri wenhabvu anotsigira chikwata cheDynamos, VaFarai Mashonganyika, vanoti Ngodzo akashura mare zvekuti Caps United ingadai isiri pamusoro petafura rePremier Soccer League dai pasine iye.

Vamwe vatambi vari kurwira kutora mukombe uyu ndi King Nadolo, Clive Agusto, Evans Katema, Never Tigere, Phineas Bhamusi, Ralph Kawondera, Ariel Sibanda, naWellington Taderera.

Pari zvino,mukombe uyu uri mumaoko aRodwell Chinyengetere uyo akautora muna 2017 na 2018 apo aitambira FC Platinum asati aenda kuSouth Africa.

Chinyengetere ndiye akabatsira FC Platinum kutora mukombe weligi makore akateverana iwayo muna 2017 na 2018.

Darlington Dodo weCaps United, Lizwe Sweswe weFC Platinum naGofrey Tamirepi weZPC Kariba ndivo vari kutarisirwa kurwira kutora mukombe weCoach of the Year.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati