Dynamos Yotenga Vatambi Vatsva

  • Michael Kariati

Dembare

Chikwata cheDynamos chiri kuenderera mberi nekutenga vatambi vatsva kunyange hazvo pasina chivimbo chekuti nhabvu ichatambwa here muZimbabwe gore rino.

Dynamos yatenga vamwe vatambi vatsva vashanu pamusoro pevatambi gumi nevana avo yakatenga mitambo ya2020 isati yamiswa.

Mutauriri wechikwata ichi, Muzvare Yvonne Mangunda, vanoti chikwata chavo chatenga Tinashe Makanda, Frank Mukarati, Trevor Mavhunga, Newman Sianchali, na Luke Musikiti, pavatambi vavo vemwaka uno.

Sianchali abva kuCaps United, Makanda achibvawo kuHighlanders.

Murairidzi weDembare, Tonderai Ndiraya, haana kufara nevatambi vaaive navo mwaka wa 2019 achiti ari kuda kuvaka chikwata chinokwikwidza zvine mutsindo mwaka uno.

Dembare yadarikwa nezvikwata zvakawanda mukutamba zvinodakadza izvo Ndiraya anoti zvinofanira kupera.

Murairidzi uyu anoti ari kuda kuunganidza vatambi vanoziva kuti kupfeka jezi reDynamos zvinorevei.

Pakapedzisira kutambwa nhabvu muna2019, Dynamos yakapedza iri pachinhanho chepfumbamwe mugungano rezvikwata gumi nezvisere.

Ndiraya anoziva kuti ikozvino anofanira kuita zviri nani kudarika izvi sezvo Dembare iine nhoroondo yekudzinga varairidzi vanenge vatadza kuita zvainoda.

Asi Dynamos inofanira kumbomira maroto ekutora mukombe sezvo pasina chivimbo chekuti nhabvu ichatambwa here gore rino nemhaka yechirwere cheCovid 19.

Pari zvino, mitambo yakambomiswa kusvika musi wa 15 Kukadzi apo pachabuditswa matanho matsva nehurumende ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati