Misoro yeNhau, Chishanu 12 Kubvumbi, 2019

Misoro yeNhau

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari muno muWashington kumisangano neIMF neWorld Bank, kumucheto wemusangano uyu vakavimbisa kuti Zimbabwe ichaparura mari itsva mukati megore.

Tiri kuenderera mebri tichitarisa mamiriro akaita zvinhu kuChipinge neChimanimani vakawirwa nedambudziko redutumupengo kana kuti Cyclone Idai.

Nyaya yekuripa vachena vakatorerwa minda yoramba ichikonzera mutauro munyika.

VaNelson Chamisa voramba vachidomwa nematunhu akawanda kuti vatungamire MDC, VaDouglas Mwonzora havasasti vadomwa kana nedunhu rimwe kuti vatungamire.

Vatsigiri venhabvu vomirira kunzwa kuti Zimbabwe ichapinzwa mugungano ripi mumakwikwi eAFCON na8 manheru ano.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi, tiri kutarisa misangano yeIMF neWorld Bank iri muwashington DC uye mashoko egurukota rezvemari ekuti Zimbabwe ichange yave nemari itsva mukati megore.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau, Chishanu Kubvumbi 12, 2019

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.