Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 18, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Misoro yeNhau

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 18, 2019

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanomisa basa vakuru vemauto vana paine tarisiro yekuti vachapiwa mabasa ekumizinda yeZimbabwe kunze kwenyika..

Mutevedzeri wasachigaro webato reMDC, Vatendai Biti vanowanikwa vaine mhosva yekutyora chikamu chemutemo wesarudzo, vanopiwa mukana wekubvisa faindi yemadhora mazana maviri kana kugara mujeri mwemazuva manomwe.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rotsvaga rutsigiro rwemasiginecha makumi mashanu ezviuru kuti rikwanise kumanikidza hurumende kuongorora zvichemo zvevaraidzi.

Sangano reEuropean Union rozeya nyaya yekuti rotemera zvirango here kana kuti kwete vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe..

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nezvedanho remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekumisa vamwe vakuru vakuru vechiuto basa pamwewo nemashoko avakataura mukupera kwesvndo, ayo anoonekwa nevamwe seanotyisidzira vemasangano akazvimirira pamwe nevemapato anopikisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave..