Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 27, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Nhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero, Va Clement Voule, vanopedza kushanya kwavo kwemazuva gumi muHarare. Va Voule vaudza vatori venhau kuti Zimbabwe haina kugadzikana munyaya dzematongerwo enyika, uye panoda kuti paitwe nhaurirano dzechokwadi kuitira kuti besanwa nemvongamupopoto iri kuitika mune zvematongerwo enyika zvigadziriswe.

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vovigwa kumusha kwavo kwaZvimba mangwana pahurongwe huchaona mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasipo.

Hurongwa hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa hwekucherechedza kusvitsa kwebato iri makore makumi maviri kubva paraumbwa huri kuenderera mberi mangwana muRufaro Stadium, kwete zviri kutaurwa pa social media zvekuti musangano uyu wakanzurwa.

Makundano eChibuku Super Cup ari kupfungaidze hutsi mangwana panguva iyo mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, ari kutarisirawo kuhwina bhande reWorld Boxing Federation.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kuvigwa kwaVaMugabe kwaZvimba mangwana pamwe nemhemberero dzeMDC muRufaro Stadium mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 27, 2019