Dare redzimhosva rinoudza mapurisa kuti haabvumidzwe nemutemo kurambidza vana chiremba kufora vachienda kunosvitsa zvinyunyuto zvavo kuparamende. Vana chiremba vemuzvipatara zvikuru zvehurumende vari kuratidzira vachiti vachadzokera kubasa chete kana vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Peter Magombeyi, avo vakapambwa manheru eMugovera wapfuura, vadzoswa vari vapenyu.
Varwere voramba vachitambura vari muzvipatara zvehurumende sezvo vasina vari kuvabatsira zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevashandi vemuzvipatara.
Vanhu vanodarika zana vaive kwaZvimba kurufu kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanorwara nechirwere chemanyoka.
Nhumwa yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu pasi rose, VaClement Nyaletsossi Voule, vanoita musangano nemutauriri wedare reNational Assembly, asi nyaya dzekupambwa kwevanhu hadzina kuiswa mudariro kuti dzikurukurwe. VaVoule vachaita mimwe misangano nemasangano akasiyana siyana kusanganisira mapato ezvematongerwo enyika mumazuva gumi avanenge vari munyika.
Mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaVictor Matemadanda, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramwa kutenga chingwa kwemwedzi wose sezvo paine vemabhizinesi anobika chingwa vari kukwidza mitengo senzira yekuipisa chimiro chehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Muchirongwa cheLiveTalk - Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvikuru zvehurumende panguva iyo vanachiremba navanamukoti vari kuramwa mabasa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 19, 2019