Vana chiremba vemuzvipatara zvikuru zvehurumende vanobatana navana mukoti mukuramwa mabasa vachiti vachadzokera kubasa chete kana vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Peter Magombeyi, avo vakapambwa nemusi weMugovera manheru, vadzoswa vari vapenyu.
Varwere vatambura vari muzvipatara zvehurumende sezvo vasina vari kuvabatsira zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevashandi vemuzvipatara.
Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, unotakurwa uchibva kumusha kwavo kwaZvimba uchiendeswa kuHarare kumbwa kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale paine makakatanwa ekuti mutumbi uyu uchachengeterwa kupi.
Nhumwa yeUnited Nations inoona nezvekodzevanhu pasi rose, VaClement Nyaletsossi Voule, vari muZimbabwe vachiona mamiriro akaita kodzero dzevanhu munyaya dzekuungana murunyararo, uye mitemo inobata kodzero dzevanhu. VaVoule vachaita musangano nevatori venhau musi wa Gunyana 27.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekuratidzira huri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 18, 2019