Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 02, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda munyika vanorangarira kuurayiwa nekukuvadzwa kwakaitwa vanhu gore rapera mumhirizhonga yakaitika musi waNyamavhuvhu 01, 2018

Vemabhizinesi pamwe nevashandi vozeya zvinoreva zvakaturwa nezuro negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, apo vakazivisa bhajeti renyika repakati pegore pamwe nekukwidzwa kwemutengo wemagetsi.

Nhengo dzeparamende dzozeya bhiri riri kutarisirwa kuvandudza mutemo unobata nyaya dzekuroorana, kana kuti Marriage Amendment Bill, risati raendeswa muvanhu kuti varizeyewo.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kuenderera mberi kunyange hazvo maWarriors eZimbabwe aine mutambo weCHAN neMauritius muBarbourfieds Stadium neSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga yakaitika gore rapera iyo yakasiya vanhu vakawanda vafa nekukuvadzwa musi wa 1 Nyamavhuvhu 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.