Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 03, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yoronga kuvandudza mutemo unobata kudzivirirwa kwenyika kuitira kuti ikwanise kubhadhara vaimbove varwiri verusununguko mari dzinoenderana nemari inotambirwa nemusoja ane nyembe dzameja, uye kuti vabhadharirwe mari kana vachinge varwara kana kufa.

Vashandi vahurumende vosangana nehurumende nemusi weChipiri kuti vazeye nyaya dzavo dzemihoro nezvimwe zvinetswa

Vanhu vopedza nguva yakareba vari mumitsetse yekutsvaga mafuta edzimotokari izvo zvava kudzoserawo shure hupfumi hwenyika.

Vamwe vane dzimba dzavari kurojesa voramba kutambira mari yema RTGS vachiti vanoda kupihwa mari yavo iri mumadhora ekuAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hweSouth Africa wekuchengetedza zvakadzama muganhu wayo nedzimwe nyika kuitira kuti munyika iyi musapindwe zvisiri pamutemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.