Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 10, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mumiriri weGlen View South mudare reparamende vari nhengo yeMDC Amai Vimbai Tsvangirai Java, mwanasikana wevaive mutungamiri weMDC muchakabvu Morgan Tsvangirai avo vakaita njodzi yemumugwagwa muna Chivabvu vashaya.

Bato reZanu-PF nhasi razivisa kuti VaVictor Matemadanda vave kutora chigaro chekuva munyori anoona nezvematongwerwo enyika kubva kuna VaEngelbert Rugeje.

Vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa zvekuti vamwe vavo vave kuronga kuratidzira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vasangana nemutevedzeri wemukuru wesangano rezvekubatsira vanhu muUnited Nations Amai Ursula Muella kumahofisi avo eMunhumutapa. Amai Mueller vari kuuya kuzoongorora mamiriro akaita zvinhu kuManicaland kwakawirwa nedambudziko redutumupengo recyclone Idai.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi tichitarisa mitengo yezvinhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 10, 2019