Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 20, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa okanda hutsi hunokatyisa mudhorobha reHarare achirova vanhu vasina mhaka vachityira kuti vamwe vavo vange vachironga kuratidzira.

Nyaya yekudzima kwemagetsi yokonzera matambudziko akanyanya munyika, Studio 7 yozeya zvingaitwe kupedza dambudziko iri.

Bato reMDC roita musangano wakakosha weNational Executive muHarare nhasi segadziriro yeCongrees iri ko vhiki rino.

Muzukuru wevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaLeo Mugabe vokundikana kubhadhara vashandi papurazi ravo.

Malawi yoita sarudzo mangwana vaimbova mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vachinzi nevanopikisa vari kushanda nehurumende kuti vabirire sarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanhu nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 20, 2019