Misoro yenhau, Chitatu, Chivabvu 8, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yenhau, Chitatu, Chivabvu 8, 2019

Dare repamusoro reHigh Court nhasi rapa mutongo wekuti kudomwa kwemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa kwaisava pamutemo uye sarudzo dzeExta-ordinaary Congress dzinofanira kuitwa mukati megore.

Asi bato reMDC rinoti richakwira kudare repamusoro soro reSupreme Court sezvo risiri kutambira mutongo uyu richiti zviri kuda kunzi zviitwe hazvikwanisike.

Vanhu muSouth Africa vovhota nhasi vakawanda vachitarisira kuti bato reANC richakunda kunyangwe mapato eEFF neDA achitarisirwa kukwikwidza zvine mutsindo.

Vatori venhau vanoti hurumende haina zvairi kuita kuyedza kuvandudza mitemo yezvevatori venhau. Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti mitemo iri kuvandudzwa.

Muchirongwa cheDiaspora na8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yesarudzo dzekuSouth Africa uye zvinoreva mutongo wedare repamusoro pahutungamiri weMDC.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.