Vanhu vanodarika zana nemakumi maviri nevatanhatu vanofa kuMozambique, Malawi neSouth Africa nekuda kwedutumupengo remvura nemhepo rinonzi IDAh iro riri kurovawo mamwe matunhu akawanda muZimbabwe
ZIMSTAT inoti Inflation munyika yakwira kusvika pazvikamu makumi mashanu nemapfumbamwe nezviga makumi matatu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 59.39% zvakapedzisira kuitika makore gumi apfuura.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano nevechidiki muHarare nhasi.
Sangano reCotrad iro rakambomiswa kushanda nehurumende roenda kumatare. Tichatarisawo mutongo wemumwe mutevedzeri weMDC VaMorgan Komichi vari kumatare nhasi nenyaya yezvesarudzo dzegore rapera.
Munhau dzemutambo, tiri kutarisa nezvemutambo mukuru pakati peFC Platinum neEsperance.
Tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano wekuyenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhu rume kana kuti UN gender summit.
Muchirongwa chedu cheLivetalk na8.00 pm, tiri kutarisa nezvedutumupengo idah riri kurova nyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisa Zimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.