Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu , Kurume 14, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muzvipatara kunyangwe hurumende iri kuti yawana mari imosvika miriyoni imwe chete yekutenga mushonga.

Kambani yePrecision Cannabis Therapeutics Zimbabwe inopihwa rezinesi rekurima mbanje.

Hurumende yambomisa sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCommunity Tolerance and Reconciliation Development Trust kuita basa mudunhu reMasvingo ichiti iri kuongorora magwaro aro.

Bhanga remadzimai reZimbabwe Women’s Microfinance Bank (ZWMB), nhasi rakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nehurumende kuti ripihwe mari yakawanda kuti rikwanise kukweretesa madzimai mari yekuzvisimudzira.

Tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano wekuyenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhu rume kana kuti UN gender summit.

Muchirongwa chedu cheWomens Round Table nhasi, tiri kutarisa nezvebhanga remadzimai

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu , Kurume 14, 2019