Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 07, 2018
Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwoenderera mberi, vamwe vashandi vemuzvipatara vachikandawo mapadza avo pasi vachiti vari kutsigira kuramwa mabasa kwavana chiremba.
Vanhu voita muonero wakasiyana siyana pazvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende pamwe nemubato reZanu PF nehurumende yeAmerica
Madzimai ebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa oparura hurongwa hwekucherechedza kushungurudzwa kwevanhukadzi munyika.
Hurumende yodzesera mapurisa mumigwagwa ichiti mapurisa aya achange ari mumigwagwa senzira yekudzivirira tsaona munguva yezororo reKisimusi negore idzva.
Vatsigiri vemutambo wenhabvu vakawanda vanoti vari kutarisira mutambi weFC Platinum, Rodwell Chinyengetere, kuti ndiye achatambidzwa mukombe weCastle Soccer Star of the Year nemari inoita iyo zviuru zvishanu zvemadhora pamabiko ari kuitwa muHarare nhasi manheru.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa gakava riri kubuda panyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende pamwe nemuZanu PF izvo vamwe vanoti zviri kuuraya mabhizinesi pamwe nekuomesera veruzhinji.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave