Nhau dzedu dzanhasi, Muvhuro, Zvita 3, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Nhau dzedu dzanhasi, Muvhuro, Zvita 3, 2018

Vanachiremba vokanda mapadza pasi munyika yese vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambira uye mamiriro akaita zvinhu muzvipatara.

Sangano revashandi vehurumende reAPEX Council roita musangano nekutsvaga nzira dzekumanikidza hurumende kuti igadzirise zvichemo zvavo.

Muparamende moita kusawirirana kunotyisa mushure mekunge imwe shoroma vaNick Van Hoogstraten varambidzwa kupa humbowo nenyaya yekuWhange Colliery.

Mutumbi wevaimbova mutungamiri wenyika VaGeorge Herbert Walker Bush uri kutasirwa kuuya muWashington nhasi apo nyika yabatana mukuvachema. VaBush vakatungamira hondo yekutanga neIraq.

Zimbabwe yochema Muzvinafundo Phineas Makhurane mukuru wekutanga kana kuti VICE Chancellor wechikoro chehumhizha chekuBulawayo cheNUST avo vari kutarisira kuradzikwa nemusi weMugovera kumusha kwavo kuGwanda.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekukurudzira kurremekedzwa kwekodzero dzevakaremara.

Nyaya yekuburitswa kwegwaro rekupfurwa kwevanhu nuHarare musi wa 1 Nyamavhvhu yokonzera mutauro wakanyanya munyika.

ZIMSEC Inozivisa kuti vakanyora bvunzo dzeGrade 7 vanogona kunotora zvavakabuda nazvo kutanga mangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa kucherechedzwa kwezuva rekurwisa HIV paine mashoko ekuti huwandu hwevanhu vari kutapurirwa chirwere ichi hwave kuwanda mune dzimwe nzvimbo vamwe vachitya kunovhenekwa ropa.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave