Misoro yenhau dzanhasi, China, Mbudzi 29, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yenhau dzanhasi, China, Mbudzi 29, 2018

Zviru nezviuru zvevanhu zvinouya pamusangano weMDC muHarare zvichiratidzira kusafara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vasori nemapurisa vomisa kuratidzira kwesangano rePost Independence Survival Trust vari kunyunyuta kuti hurumende haisi kuisa mari mubhajeti yekuongorora nyaya yeGukurahundi.

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa voyambira kuti varume vanoroora vana vasati vabva zera kana kuvaroodza vacharangwa zvakaomarara.

Studio 7 yakabatana neMedia Centre yoita hurukuro nevagari vemuBulawayo mangwana.

Russia inopa Zimbabwe mushonga wekurapa Cholera apo huwandu hwevafa nechirwere ichi kuMt Darwin wasvika pavana.

Kushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari kopararira munzvimbo dzakawanda.

Musangano wehumhizha munyaya dzedzidzi wechisere kana kuti 8th Innovation for Africa Summit woenderera mberi muHarare nhasi.

Hurumende inopa vashandi vayo mabhonasi.

Muchirongwa cheLiveTalk-Women’s Forum na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuratidzira kwaitwa nebato guru rinopikisa reMDC

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave