Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 31, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 31, 2018

Mutugamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano kumuzinda webato ravo muHarare nevechidiki veZanu-pf Youth League vachivashora kuti vari kusaririra munyaya dzebudiriro nekushaya chido.

Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube voenda kuparamende mushure mekutadza kuendako kwenguva yakareba kuti vabvunzwe mibvunzo yezvemamiriro akaita hupfumi hwenyika.

Gurukota rezvekutakurwa kwevinhu VaJoram Gumbo votaura nezvemamiriro akaita zvinhu munyaya yemafuta ekufambisa dzimotokari.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanechirwere cheHIV/AIDS negomarara vanofanira kuramba vachinwa mishonga yavo yemaARV. Izvi zvinotevera mashoko aMuporofita Walter Magaya ekuti vaona mushonga unorapa zvirwere izvi.

Vanhu vakagara pamapurazi eStanley neDorith Farm kuChegutu vanoti vari kushungurudzwa nemasoja.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora na 8pm tiri kutarisa nyaya yemitengo yezvinhu, nezviri kuitwa nevari kunze kwenyika kubatsira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.