Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 24, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 24, 2018

Kanzuru yeguta reHarare inoparura chirongwa chekuchenesa guta pamwe nekuona kuti vedzimotokari vatevedza mitemo yemumigwagwa.

Vari kunze kwenyika votambira nemufaro kubviswa kwemutemo wanga uchirambidza kutengwa kwezvinhu kunze kwenyika.

Studio7 inoenderera mberi nekuburitsa nyaya dzine chekuita nedambudziko rechirwere chegomarara repazamu iro riri kucherechedzwa pasi rose mwedzi uno waGumiguru

Chirongwa cheZimbabwe International Book Fair chinoenderera mberi muuHarare vanyori vachichema chema nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzavo nevanhu vanoshandisa zvinyorwa zvavo nenzira dzinoita kuti vasawane mari

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva kubvumidzwa kutenga zvinhu zvekunze kwenyika izvo zvakambenge zvichirambidzwa nehurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave