Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana, 10, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana, 10, 2018

Makurukota akasarudzwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa otora mhiko nhasi kuState House.

Nhengo dzedare reparamende dzeSenate neHouse of Assembly dzotarisirwa kusarudza vatungamiri mangwana.

Vanhu vanodarika gumi nevatanhatu vanoshaya nechirwere checholera icho choramba chichipararira mumatunhu akawanda

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti vachayedza kurerutsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kuti zviwane magwaro ekushanda.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm nhasi tiri kutaura nezvekutoreswa mhiko kwemakurukota matsva akadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Munoona vachikwanisa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika here?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave