Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 22, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 22, 2018

Dare reConstitutional Court rinonzwa zvechimbi chimbi chikumbiro chakaiswa mudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachipikisa kudomwa kwemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Magweta aVaChamisa akabva kuSouth Africa anonyimwa mvumo yekumirira VaChamisa mudare reConstitutional Court.

Zimbabwe Council of Churches inoti panopera nyaya iri mudare reConstitutional Court, nyika inoda kupodzwa kwemaronda pamwe nekuremekedzwa kwebumbiro remitemo yenyika kuitira kuti ifambire mberi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzopa maonero adzo mafambiro ari kuita gakava riripo pakati paVaChamisa naVaMnangagwa mudare reConstitutional Court.

Muchirongwa che LiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvaitika mudare reConstitutional Court.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave