Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 16, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 16, 2018

Dare repamusoro soro, reConstitutional Court, richatanga kunzwa musi waNyamavhuvhu 22 nyaya yemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vari kupikisa musarudzo dzemwedzi wapfuura idzo dzakakundwa naVaEmmerson Mnangagwa veZanu PF.

Masangano akazvimirira oshora zvikuru hurongwa hwehurumende hwekuti makanzuru amboshanda ari pasi pemakomishina akasarudzwa nehurumende kudzamara makanzura akasarudzwa agadzwa zviri pamutemo kuti afambise mabasa emakanzuru munyika yose.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvoshaya mabasa sezvo nyika iyi yakadzika mitemo inoita kuti zvizvarwa zvisiri zvenyika iyi zvitadze kuwana mabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika mumatare edzimhosva takatarisa gakava riri pakati paVaChamisa naVaMnangagwa.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanosangana nemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, avo vakasanganawo nezuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave