Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 26, 2018
Vari kukwikwidza vakazvimirira kuMagunje, VaGodfrey Gandawa, avo vakadzingwa muZanu PF nechikwata cheLacoste chiri kutonga bato iri mazuva vachinzi inhengo yeG40, votsvagwa nevasori avo vaenda kumba kwavo munguva dzerunyanhiriri nhasi.
Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotaura pamusoro peongororo yakaburitswa nesangano re Free and Fair Foundation iyo inoti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachakunda zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika – asi veruzhinji vachiti kuchitiza kuri kuitwa nevanhu kumisangano iri kuitwa naVaMnangagwa munyika munongedzo wekuti havana rutsigiro serwaVaNelson Chamisa veMDC Alliance
Zimbabwe Electoral Commission inokomekedzwa nedare repamusoro kuti ione kuti yawanira vashandi vehurumende zvekufambisa kuitira kuti vakwanise kuvhota panguva iyo vanenge vachibatsira Zec kuvhotesa vanhu munyika.
Mapato anopikisa anoti haasi kufara nekushandiswa kuri kuitwa chikafu sechombo munguva yekutsvaga rutsigiro, pamwe nekushandiswa kwemidziyo yehurumende kuri kuitwa neZanu PF muhurongwa hwayo hwekutsvaga rutsigiro.
Zanu PF yoita musangano nevatongesa zvinhu mumigwagwa muHarare ichiti hapana achabviswa mumigwagwa asati awanirwa pakanaka pekutengesera.
MDC Alliance yoenderera nemisangano yayo kuChitungwiza ichitsvaga rutsigiro
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika mugadziriro dzesarudzo neMuvhuro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave