Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 26, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 26, 2018

Mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo gore rino anoungana muHarare achinyorerana chibvumirano chekushanda murunyararo munguva yekutsvaga rutsigiro.

Hurumende inoburitsa mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo - MDC Alliance ichiti bato rine chekuita nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, reNational Patriotic Front, harisi mumubatanidzwa weMDC Alliance kunyange hazvo nhengo dzeNational Patriotic Front dzakanyoresa kuvhota munzvimbo dzakawanda dzichitsigirwa neMDC Alliance sezvakaitika kuHarare South nedzimwe nzvimbo.

Vakaremara vanoti vanodawo kuti vavhoterwe musarudzo nekuti kuremara hazvirevi kuti havagoni kumirira veruzhinji.

Studio7 inotarisa nhoroondo yaMuzvare Thokozani Khupe semumwe wevatungamiri vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika..

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anocherechedza zuva reInternational Day in Support of Victims of Torture.

Vaimbove vashandi vekambani ye Ziscosteel vanoti havachina chivimbo chekuti hurumende ichamutsuridza kambani iyi kuitira kuti vawanewo chouviri.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kubuda kumitambo yeWorld Cup kuRussia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave