Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 16, 2018
Vamwe vana venhengo dzesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vopinda muhurongwa hwekusvibisa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti havadi kuti vakunde musarudzo yemutungamiri wenyika sezvo vasiri kuita zviri kutarisirwa nevakarwa muhondo yerusununguko.
Makanzura ekuMasvingo onetsana padanho rekupa mumwe mugwagwa wemuguta iri zita rekuti Morgan Tsvangirai, senzira yekuremekedza mutungamiri wekutanga weMDC, mushakabvu Morgan Tsvangirai
Vechidiki vanobva kumapato akasiyana siyana vanopinda muhurongwa hwekukurudzira kuti sarudzo dzichaitwa munyika dziitwe murunyararo.
Bato idzva reTransform Zimbabwe rinobuda nemazita evanhu varo vachakwikwidza musarudzo dzemunzvimbo dzarakapihwa neMDC Alliance
Zimbabwe Electoral Commission inoti veruzhinji havafanirwe kutyira kuti mazita evanhu vakanyoresa haasi kuchengetedzwa sezvo ZEC iri kuchengetedza zvakadzama zvose zvine chekuita nesarudzo.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kana zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichikwanisa kutora mukana wekunyoresa kuvhota uri kutanga musi wa Chivabvu 19 kusvika Chivabvu 29, uri kunzi neZEC mop up voter registration.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.