Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 15, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 15, 2018

Masangano akazvimirira anoti haasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa sarudzo dze primary elections mumapato makuru emunyika eZanu PF ne MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa…

America inoti iri kufara nehurongwa hwekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo uye gadziriro yesarudzo zvikuru hurongwa hwevaongorori vesarudzo vanobva kunze kwenyika…

Hurumende inonzi yava kududza pane zvayakavimbisa vana chiremba panguva yavairamwa mabasa…

Varairidzi vochema chema vachiti mari iri kunzi ichawedzerwa nehurumende ishoma zvikuru..

Sangano reChildline rinoti vana vadiki vari kutyorerwa kodzero dzavo zvakanyanyisa muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mari dzinotambirwa nevashandi vehurumende

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki panguva iyo Zimbabwe Electoral Commission iri kukurudzira vanhu kuti vanonyoresa, ukuwo vechidiki vari mubishi rekutsvaka rutsigiro musarudzo dzema primary elections dziri kuitwa nemapato akasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.