Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi,Chipiri, Kubvumbi 24, 2018
Dare redzimhosva remuBulawayo rinotura mutongo wekuti MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, pamwe neMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, dzose dzinogona kushandisa zita rekuti MDC-T kudzamara nyaya iyi yapera kutongwa nedare redzimhosva.
Zimbabwe International Trade Fair inotanga muBulawayo vanhu nemakambani vachiratidza zvinhu zvavo kune veruzhinji
Vagari vekwaChiyadzwa voenderera mberi nekurwira kodzero dzavo sezvo pasina zvavari kuwana pamangoda anocherwa kwaMarange
Zanu PF yoramba kubhadhara mari yekupaka motokari dzayo kuMasvingo.
Vamwe vagari vemuHarare vopinda musvondo rechipiri vasina mvura yemutepi mudzimba dzavo
Vagari vekuMakoni West vobatana vachigadzirisa migwagwa yavo kuitira kuti motokari dzikwanise kusvika mudunhu ravo
Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzematongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.