Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 21, 2018
Musangano weAfrica Union unopera muKigali ku Rwanda vatungamiri vemuAfrica vachinyorerana chibvumirano chekutengeserana uye paine kurudziro yekuti nyika idzi dzishandise mari imwe chete.
Varimi vefodya vanotanga kutengesa fodya yavo pamisika yefodya, hurumende ichiti chirimwa ichi chava kuiswa pasi peCommand Agriculture.
Kuramwa mabasa kwavana chiremba kworamba kuchienderera mberi masangano akawanda achikurudzira gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, kuti vasiye basa.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kudiwa kuAmerica zvichitevera mhosva dzachakapara chomiswa mudare kuChiredzi chakatarisana nekuendeswa kuAmerica kuti chinotongwa nemhosva dzachakapara.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zvingabatsira vari kunze kwenyika kana Africa ikabuda nemutemo wekubvumidza vanhu vemudunhu iri kushanyirana pasina kubvunzwa mavhiza nezvimwe zvakadaro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.