Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 13, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 13, 2018

Mwaka wekutengeswa kwefodya unotanga varimi vakawanda vachikumbira bhanga guru renyika kuti vapihwe mari yakawanda nemabhanga ari pamisika yefodya, kwete kupihwa mazana matatu emadhora pazuva sezvakatarwa nebhanga guru.

Vagari vemuHarare vanosangana nevakuru vakuru vekambani yemagetsi vachichema chema nekudzimwa dzimwa kuri kuitwa magetsi izvo zvoisa vamwe munjodzi.

Vanotengesa mumigwagwa kwaMutare vooneswa ndondo nemasoja ari kuvatorera zvinhu zvavo.

Kuramwa basa kwavana chiremba kworamba kuchienderera mberi sezvo pasina kuwirirana nehurumende.

Komiti yeparamende inoona nezvemagetsi pamwe nemigodhi yokurudzira mapurisa kuti vasunge makurukota ose pamwe nevakuru vakuru vemakambani ane chekuita nehuori hunonzi hwakaitika pachirongwa cheGwanda Solar Project

Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zvichange zvichikosheshwa nevechidiki musarudzo dzichaitwa gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.