Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 06, 2018
Hutungamiri hweMDC-T muBulawayo hunosungwa nemapurisa zvichitevera mhirizhonga yakaitika musi weSvondo pamahofisi eMDC-T muBulawayo makare.
Vanhu vogara vachitya kuMasvingo zvichitevera kubuda kwemabasa akaipa emabhinya ayo ari kubata vanhukadzi chibharo pamwe nekuuraya vanhu mudunhu iri.
Muchikamu chedu chechipiri, Studio7 inotarisa zvakadzama makakatanwa ari muMDC-T pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe.
Zimbabwe Women’s Parliamentary Caucus yobatana newmasangano akazvimirira mukuparura chirongwa chakanangana nekuona kuti vanhukadzi vapihwa mukana yakaenzana nevanhurume munyaya dzematongerwo enyika
Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa kudomwa kwakaitwa VaNelson Chamisa kuti vamirire MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, uye zvazvinoreva kune vechidiki.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.