Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 20, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 20, 2018

Zviuru nezviuru zvevanhu zvinoungana kuBuhera zvichiona kuradzikwa kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya neChitatu chapfuura kuSouth Africa, uko vairapwa chirwere chegomarara.

Vamiriri vekune dzimwe nyika, kusanganisira America, Britain, Sweden nedzimwe nyika, vanounganawo mumusha wekwaHumanikwa kuBuhera vachionawo kuradzikwa kwaVaTsvangirai.

Vamwe vanhu vanokanganisa musangano we National Peace and Reconciliation Commission muBulawayo vachiti komisheni iyi ine vanhu verudzi rwechiShona vakawanda kudarika vechi Ndebele.

African Union Commission inosangana nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichibva yasanganawo zvakare nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndokunyorerana zvibvumirano nehurumende.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutaura zvaitika pakuvigwa kwaVaTsvangirai, uye zvakaitwa naVaTsvangirai apo vaive vapenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chisahanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.