Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 16, 2018
Vanhu vakawanda vanoungana muSouth Africa kumunamato wekurangarira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya neChina kuSouth Africa, uko vairapwa chirwere chegomarara.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC akasarudzwa pakongiresi ya 2014, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vari kushanda nemhuri yekwaTsvangirai kuitira kuti zvinhu zvifambiswe negwara kwaro, paine chinangwa chekuona kuti gamba ravo raradzikwa zvine chiremera.
Vanhu vanobva mumatunhu akawanda vokurudzira nhengo dzeMDC-T kuti dzizvibate panguva ino apo nyika iri kuchema kushaya kwaVaTsvangirai.
Komiti yeparamende inoudzwa kuti nyika inogona kunge yakarasikirwa nemabhiriyoni makumi mashanu emadhora yemari yemangoda ayo anonzi haana kufambiswa zvakanaka kwaMarange.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm kusvika na 10pm, tiri kutaura kwemaawa maviri pamusoro pekushaya kwaVaTsvangirai, uye zvakunoreva kuvanhu vemuZimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6am, kubvira Muvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.