Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 08, 2018
Makakatanwa oenderera mberi muMDC-T, mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vachiti VaNelson Chamisa ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato, ukuwo mutauriri webato, VaObert Gutu, vachiti VaElias Mudzuri ndivo vakafanobata chigaro chaVaTsvangirai.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzotaura pamusoro pekusagadzikana kuri muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvokurudzirwa kunonyoresa kuvhota muZimbabwe.
Chirongwa cheBVR mop up chinopera nhasi masangano akawanda achikurudzira kuti chiwedzerwe.
Hurumende inoburitsa hurongwa hwemari ichiti zvingabatsire nyika zvikuru kana vanhu vakashandisa makadhi avo ekubhanga mukutenga zvinhu pane kushandisa mari yemusvo.
Muchirongwa cheWomen’s Roundtablepa LiveTalk na8pm, tiri kutarisa zvinoreva kusagadzikana kuri muMDC-T kuvanhukadzi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera chimwe chirongwa chedu na 6am mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.