Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 08, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 08, 2017

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotaura kekutanga pamusoro pekudzinga kwavakaita VaEmmerson Mnangagwa muhurumende nemusi weMuvhuro, vachiti VaMnangagwa vakanga vovazvidza.

Vagari vemaMutare vazhinji vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa naVaMugabe rekudzinga VaMnangangwa muhurumende.

Vanhu vashoma vanonyoresa kuvhota kuMatabeleland zvichienzaniswa nemamwe matunhu.

Mamwe madzimai otadziswa kunyoresa kuvhota vachinzi vaunze huchapupu hunoratidza kuti vachiri vese nevarume vakavaroora.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.