Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 16, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 16, 2017

Chirongwa chekunyoresa kuvhota chovhiringwa nemutemo unosungira kuti vanhu vape humbowo hwepavanogara kuitira kuti vanyorese kuvhota, izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda vatadze kunyoresa.

Masangano eZimRights ne Election Resource Center okurudzira vanhu kunonyoresa kuvhota nekuvakwezva nenzira inoshandisa vaimbi vane mukurumbira munyika

Zanu PF yoenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuita kongiresi yechimbi chimbi muna Zvita paine mashoko ekuti panofanirwa kuve nevatevedzeri vemutungamiri webato vatatu, mumwe wacho ari mudzimai, vamwe vachitiwo VaEmmerson Mnangagwa vabviswe pachigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Bato reTransform Zimbabwe rotaura pamusoro pemaomero akaita zvinhu panguva iyo bato riri kutonga reZanu PFr iri mubishi rekurwira masimba pakati pemakurukota aro ari muhurumende.

Zvematongerwo enyika zvopindira mukusarudzwa kwemunyori weguta reHarare, kana kuti Town Clerk

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa murongwa hwekunyoresa kuvhota uhwo vakawanda vanoti hausi kufamba zvakanaka.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.